Creation Science Information & Links!
Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari

   "Sezvazvakanyorwa zvichinzi: 'Hakuna akarurama, kunyange nomumwe.' "   Varoma 3:10

   "Nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari."   Varoma 3:23

   "Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu."   Varoma 6:23

   "Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira."   Varoma 5:8

   "Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi."   Johani 3:16

   "Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose."   1 Johani 1:9

   "Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.  Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramiswa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa."   Varoma 10:9-10

   "Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,."   Johani 1:12

   "Jesu akapindura akati, 'Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.' "   Johani 14:6

   "Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape."   Johani 5:21

   "Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza."   Vaefeso 2:8-9

   "Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri.  Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro,  kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro."   1 Vakorinde 15:1,3-4

   "Naizvozvo reururai zvivi zvenyu kuno mumwe nomumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda."   Jakobho 5:16

   "Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.  Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo."   1 Johani 4:7-8

   "Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu.  Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.  Ngaave nokubwinya zvino uye nokusingaperi. Ameni.   2 Petro 3:17-18


Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu - Shona
http://www.creationism.org/shona/salvation_sn.htm

Main:  Shona
www.creationism.org